Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoita Musangano naAmai Hillary Clinton


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, neChina vaita musangano negurukota rinoona nezvekunze kwe America, Amai Hillary Clinton, vachivaudza mamiriro akaita zvinhu muZimbabwe.

Vachitaura pakutanga kwemusangano wavo naVaTsvangirai, Amai Clinton vati VaTsvangirai vari kuyedza nepose pavanogona napo kuti hurumende yeZimbabwe iite hutongi hwakanaka uye kuremekedza kodzero dzevanhu.

VaTsvangirai vari kutarisirwawo kuita musangano neChishanu nemutungamiri wehurumende yeAmerica, VaBarack Obama. Musangano uyu uri kutarisirwa kuburitsa pachena hurongwa hweAmerica panyaya yeZimbabwe.

Mutungamiri wehurumende vari kutarisirwawo kuenda kunyika dzekumawirira dzakaita seBritain, Sweden, Germany neFrance murwendo rwavo rwemasvondo matatu vari kunze kwenyika vachiedza kugadzirisa hukama hweZimbabwe nenyika idzi.

VaTsvangirai vari kuperekedzwa nemakurukota matatu anoti gurukota rezvekurongwa kwehupfumi, VaElton Mangoma, gurukota rezvekushanyirwa kwenyika, VaWalter Mzembi, pamwe negurukota rezvekubatana kweZimbabwe nenyika dzemumatunhu akasiyana siyana, Amai Priscilla Misihairambwi Mushonga.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG