Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanovimba Kuti Zimbabwe Ichawana Rubatsiro


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanoti vari kufara zvikuru nerwendo rwavo kunyika dzekumavirira sezvo rwuri kuvapa mukana wakakura wekutsanangurira vatungamiri venyika dzakabudirira hurongwa hwehurumende yemubatanidzwa.

VaTsvangirai vatiwo murwendo rwavo havasi kuvanzawo kuti hurumende itsva yakatarisana nezvimhingamupinyi sezvo paine vamwe vasiri kufara nebasa ravari kuita.

VaTsvangirai vari kutarisirwa kuita musangano nemutungamiri weAmerica, VaBarack Obama nemusi weChishanu.

Mutungamiri wehurumende vari kutarisirwawo kuenda kunyika dzekumawirira dzakaita seBritain, France neSweden murwendo rwavo rwemasvondo matatu vari kunze kwenyika.

VaTsvangirai vari kuperekedzwa nemakurukota matatu anoti gurukota rezvekurongwa kwehupfumi, VaElton Mangoma, gurukota rezvekushanyirwa kwenyika, VaWalter Mzembi pamwe negurukota rezvekubatana kwenyika nemamwe matunhu, Amai Priscilla Misihairambwi-Mushonga.

VaTsvangirai vanoti havasi kuzoruma vachifuridzira panyaya yezviri kunetsa nyika.

Ukuwo veruzhinji munyika vanoti vane chivimbo chokuti VaTsvangirai vachakwanisa kuwana rubatsiro huchaunza shanduko mumararamiro avo.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG