Accessibility links

Breaking News

Gorosi Rotadza Kurimwa Mwaka Uno


Varimi vegorosi vanoti havasi kukwanisa kurima mbeu iyi sezvo vari kukundikana kuwana mari yekunze.

Bepanhau reHerald rinoti varimi vanoda mari inosvika US$1 500 vakwanise kurima hekita imwe chete yegorosi.

Varimi vanoti kuti varime gorosi rakawanda zvine pundutso, vanofanirwa kunge vaine mari yekunze.

Varimi ava vari kusanganawo nedambudziko rekutadza kukwereteswa mari nemabhanga.

VaRenson Gasela inyanzvi munyaya dzekurima, uye vari munyori wezvekurima muMDC inotungamirwa naVa Arthur Mutambara.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVaGasela kuti tinzwe zviri kupa kuti varimi vatadze kurima gorosi.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG