Accessibility links

Breaking News

Masangano Akazvimirira Okurudzira  Europe Kubatsira Zimbabwe


Vamiriri vemasangano akazvimirira oga vari kushanyira nyika dzemuEurope vaine chinangwa chekutsvagira nyika rubatsiro, uye kuti itange kudyidzana nedzimwe nyika.

Masangano aya anosanganisira Crisis In Zimbabwe Coalition, ZCTU, NANGO ne Zimbabwe Human Rights NGO Forum. Nyika dzashanyirwa nemasangano aya dzinosanganisira The Netherlands, Spain, Sweden, Belgium neGermany.

Mutevedzeri wemunyori mukuru weZCTU, Va Gideon Shoko, mumwe weavo vari kuEurope. Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVaShoko kuti tinzwe zviri kuitwa nemasangano aya.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG