Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanosangana neMutungamiri weNetherlands


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, neChipiri vakaita musangano nemutungamiri wehurumende yeNetherdlands, VaJan Peter Balkenede, avo vati havasi kuzopa Zimbabwe mari kusvika hurumende yashandura zvinhu munyaya dzehupfumi, zvematongerwo enyika, pamwe nemagariro akanaka evanhu.

VaBalkenede vatiwo vari kufara zvikuru nekuti VaTsvangirai vari kuedza napose pavanogona kuti zvinhu zvifambe munyika.

VaTsvangirai vatiwo nyaya yavari kunyanyofambira haisi yekupemha mari, asi kuti kuvaka hukama hwange hwaputswa makore gumi apfuura. VaTsvangirai vave kutarisirwa kuita mumwe musangano nemutungamiri weAmerica, VaBarack Obama, uye vozoshanyira nyika dzakaita seBritain, neFrance nedzimwe.

Mutungamiri wehurumende yeKenya, VaRaila Odinga, vaudza vatori venhau munyika yavo kuti hongu vekumawirira havafarire mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, asi kuti zviite nyore kuti VaMugabe vasiye basa, nyika dzakabudirira dzinofanirwa kupa VaTsvangirai mari yekushandisa muhurumende yemubatanidzwa.

VaMsekiwa Makwanya vanoongorora nyaya dzezve matongerwo enyika. VaMakwanya vanoti hurumende inofanira kuzadzisa zvibvumirano zvayakaita muGlobal Political Agreement.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG