Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti COMESA Ichabatsira Nyika


Mutungamiriri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanoti Zimbabwe iri kutarisira kusangano reCommon Market for East and Southern Africa, COMESA, kuti ribatsire kumutsiridza hupfumi hweZimbabwe.

Vachiparura musangano wavana muzvinabhizinisi munyika gumi nepfumbamwe dziri mu COMESA kuVictoria Falls neChina, VaTsvangirai vanoti hazvifadzi kuona kuti gakava rezvematongerwe enyika ndiro riri kudzorera Africa kumashure, zvikuru muZimbabwe, iyo yava kupona nezvinhu zvinobva kune dzimwe nyika.

VaTsvangirai vataura mashoko aya apo makurukota ekuzvetengeserana muCOMESA, aburitsewo mashoko ekuti ane hurongwa hwekuumba homwe yemari yekubatsira Zimbabwe kuti igadzirise hupfumi hwayo.

Makurukota aya anoti ari kushanda neZimbabwe mukutsvaga nzira dzekutsvagira Zimbabwe mari kuitira kuti hupfumi hwenyika hugadziriswe.

VaTsvangirai vakuridzira kuti hurumende igadzirise mitemo yenyika kuitira kuti ive mitemo inokwezva vemabhizinisei vari munyika dziri muCOMESA dziri kugadzirisa nyaya yekuvandudza miganhu yenyika, kuitira kuti zviitire vanhu nyore vanotenga nekutengesa zvinhu zvavo.

Zimbabwe ichaisa chirongwa ichi pamuganhu wayo neZambia kuChirundu muna Gunyana. COMESA iri kudazve kuisa zvirongwa zvekutengeserana zvisina zvimhingamupinyi zvakanyanya.

VaJames Maridai ndivo muturiri waVaTsvangirai. VaMaridadi vaudza Sandra Nyaira weStudio7 kuti VaTsvangirai vari kutarisira kuti COMESA ichabatsira nyika.

Vakuru vanoti chara chimwe hachitswanye inda. Izvi ndizvo zvakapa kuti nyika gumi nepfumbamwe dzemuAfrica, dziumbe sangano reCOMESA muna1994.

Chinangwa chikuru chesangano iri ndechekuti nyika idzi dzikwanise kunyatsotengeserana pasina zvimhingamupinyi zvakawanda.

Asi COMESA iri kusanganawo nematambudziko panyaya yekuti dzimwe nyika dziri muSADC, dziri kuti sangano iri riri kuvhiringidza mashandiro eSADC munyaya dzekutengeserana.

Pari zvino nyika nomwe dzemu SADC dzinoti Zambia, Malawi, Madagascar, Mauritius, Swaziland, Democratic Republic of Congo neZimbabwe ndidzo dziri muCOMESA.

Blessing Zulu weStudio7 aita hurukuro negurukota rezvekubatana kwenyika nedzimwe dzemudunhu, Amai Priscilla Misihairambwi Mushonga, pamwe naVaRejoice Ngwenya, avo vanoongorora nyaya dzezvehupfumi, kuti tinzwe pfungwa dzavo.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG