Accessibility links

Breaking News

ZUJ naVaShamu Zvopesana Pakunyoreswa kweVatori veNhau


Sangano revatori venhau reZimbabwe Union of Journalists, ZUJ, rinoti vatori venhau havafanirwi kunyoresa kuti vapihwe mvumo yekuita basa ravo, sezviri kudiwa nebazi rezvekuburitswa kwemashoko.

Mukupera kwesvondo, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaWebster Shamu, vakazivisa kuti vatori venhau vanoda kuita basa ravo pamusangano weComesa uri kutanga svondo rino munyika, vanosungirwa kunyoresa neboka reMedia and Information Commission, MIC.

Asi boka reMIC rakamira kushanda zviri pamutemo kubva pakavandudzwa mutemo weAippa gore rapera, uye pane hurongwa hwekuumba boka idzva reZimbabwe Media Commission.

Mutungamiri weZUJ, VaMathew Takaona, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti vatori venhau havafanirwi kuzvisungirira nekutevera mitemo isipo nekunyoresa kuMIC isisinba chimiro pamberi pemitemo yenyika.

Zvichakadaro, VaTakura Zhangazha, vanowe National Director weMISA-Zimbabwe, rimwe remasangano anorwirawo zvido zvevatori venhau, vanotiwo vatori venhau havafanirwi kumbonyoresa kuti vaite basa ravo, kunyange neboka idzva richaumbwa reZimbabwe Media Commission kana ravapo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG