Accessibility links

Breaking News

CFU Inoti Zvinhu Hazvisati Zvagadzikana Mumapurazi


Sangano revarimi reCommercial Farmers’ Union, CFU, rinoti zvinhu hazvisati zvagadzikana mumapurazi kubva pakashanywa nechikwata chaitungamirirwa nemutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara.

Sangano iri rinoti pamapurazi mazana mana asara achiri mumaoko evarimi ava, anodarika zana acho akatopindwa zvechisimba.

CFU inoti haioni chirongwa cheLand Audit, chekuda kuziva mamiriro akaita zvinhu mumapurazi uye kuti ndianaani vane mapurazi, chichibudirira kana hurumende yemubatanidzwa isina kutanga yamisa mhirizhonga iri kuitika mumapurazi.

VaRenson Gasela ndivo munyori wezvekurima muMDC inotungamirirwa naVaArthur Mutambara.

VaGasela vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti hurumende inofanirwa kutanga yamisa mhirizhonga iri mumapurazi isati yaita ongororo yayo.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG