Accessibility links

Breaking News

VaMutambara Vanombomisa Basa Nhengo Nhanhatu dzeBato Ravo


MDC inotungamirwa naVaArthur Mutambara yambomisa nhengo nhatu kuva nechekuita nebato kudzamara nyaya dzavari kupomerwa dzazeyiwa nekomiti inoona nezvekuranga vanenge vakanganisa.

Nhengo idzi dziri kupomwrwa mhosva yekushoropodza hutungamiri hwebato iri. Vamiswa ava inhengo dzeparamende nhatu, VaAbednico Bhebhe, VaNjabuliso Mguni, naVaNorman Mpofu.

Vamwe vamiswa ndiVaAlex Goosen, VaGift Nyandoro naVaJob Sikahala.

VaLyson Mlambo ndivo sachigaro wekomiti inoona nezvekuranga vanotyora mutemo muMDC inotubngamirwa naVaMutambara. VaMlambo vaudza Ntungamili Nkomo weStudio7 kuti vatanhatu ava vari kubuda mugwara remusangano, izvo zvapa kuti vatorerwe matanho akadai. VaMlambo vatiwo vatanhatu ava vachiri nhengo dzebato ravo kudzamara komiti yavo yabuda nezvainenge yawana panyaya dziri kupomerwa vanhu ava.

Asi VaSikhala, avo vaimbova nhengo yeparamende inomirira St Mary’s, vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti havadzingwe mubato nevanhu vakaitwa zvekutsvagwa kuti vatungamire bato iri.

VaSikhala vava nenguva yakareba vachiti VaMutambara vanofanirwa kusiya basa sezvo vava kuita zvinhu zvisiri zvido zvebato.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG