Accessibility links

Breaking News

Hurumende yeMubatanidzwa Yoitiswa Zinyekenyeke naVaMugabe


Hurumende yemubatanidzwa ichiri kutarisana nezvimhingamupinyi zvakawanda zvinoonekwa nevamwe sezvingangotadzisa kufambira mberi kwayo.

Vamwe vanoti nyaya yevasungwa vezvematongerwo enyika, iri kushandiswa nebato reZanu PF sechiredzo pakukwezva MDC kuti ibvume zviri kudiwa naVaMugabe.

Vamwewo vanoti kusapera kwenhaurirano pakati pevatungamiri vemapato ari muhurumende kuri kukonzerwa nehumbimbindoga hwakaratidzwa naVaMugabe pakugadza vanhu pazvigaro vasina kugara pasi nevamwe vavo sezvinodiwa nechibvumirano chavakanyorerana pasi.

Izvi zvakaitawo kuti bato reMDC ritare mazuva arinofunga kuti zvinetswa zvasarira zvinofanirwa kunga zvapera. Bato iri rinoti zvinhu izvi zvikatadza kugadziriswa, richatora matanho akakodzera.

Bato reZanu PF rakaita musangano waro wevakuru vebato iri, rikabuda nezvisungo zvinosanganisira kuzvipira kwaro kushanda riri muhurumende yemubatanidzwa, kunyange hazvo pachine zvasarira.

Mukutarisa zvose zviri kunetsa izvi, Jonga Kandemiiri weStudio7 aita hurukuro nenyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, Professor John Makumbe, pamwe nevanoongorora zvematongerwo enyika, uye vachishanda nesangano reHuman Sciences Research Council iri mu Pretoria, kuSouth Africa, Doctor James Muzondidya.

Vaviri ava vanobvumirana kuti nyaya yevasungwa iri kushandiswa sechiredzo munhaurirano dziri kuitwa pakati paVaMugabe, VaTsvangirai pamwe naVaMutambara.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG