Accessibility links

Breaking News

Muzvare Mukoko neVamwe Vanoburitswa Mutirongo


Dare ramagistrate remuHarare neChitatu rakabvuma kusunungura mutungamiri weZimbabwe Peace Project, muzvare Jestina Mukoko, nevamwe vavo gumi nevatatu avo vaimbenge vadzoserwe muhusungwa neChipiri vakamirira kutongwa nedare repamusoro panyaya yavari kupomerwa yekuda kupidigura hurumende yaVaMugabe.

VaAlec Muchadehama gweta ramuzvare Jestina Mukoko nevamwe vaudza Studio 7 kuti vamwe vasungwa vatatu vanoti VaGandi Mudzingwa, VaChris Dhlamini nemutori wenhau Anderson Manyere vachiri muhusungwa.

Mutauriri waVaTsvangirai vaJames Maridadi vaudzva Studio 7 kuti vanhu ava vasunungurwa mushure mekunge vatungamiri vehurumende vapindira.

Muchuchusi mukuru wehurumende VaJohannes Tomana vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti havana chavanzwa kubva kuvatungamiri vehurumende nezvekusunungura vasungwa ava vakati zvose zvavaita havana anga avaudza zvekuita.

Asi VaGlen Mpani vanoongorora nyaya dzezvematongewrwo enyika vanoti zviri pachena kuti VaTomana nevamwe vavo vari kuda kuvhiringidza mashandiro ehurumende yemubatanidzwa.

Dzimwe Nhau kubva KuStudio 7...

XS
SM
MD
LG