Accessibility links

Breaking News

NCA Youdza Vanhu Zvakaipira Hurongwa hweHurumende


Hurumende inoti iri kuenderera mberi nehurongwa hwekuumba bumbiro idzva remitemo yenyika. Hurongwa uhu huri kutungamirwa nechikwata chenhengo dzedare reparamende, kana kuti Parliamentary Select Committee.

Komiti iyi ine nhengo dzeparamende makumi maviri neshanu dzakatorwa kubva kumapato matatu ezvematongorwe enyika.

Komiti iyi ine masachigaro maviri, VaDouglas Mwonzora veMDC, pamwe naVa Paul Mangwana ve ZANU-PF. VaMwonzora vanoti komiti yavo ichiri kutsvaga mari yekutanga kufambisa basa ravakapihwa neparamende.

Patience Rusere weStudi7 aita hurukuro naVaMwonzora kuti tinzwe nezvehurongwa hwavo.

Ukuwo sangano reNCA rinoti ratanga hurongwa hwekudzisisa vanhu kuti seyi hurumende isingafanirwe kutungamira hurongwa hwekuumba bumbiro idzva remitemo yenyika. NCA iri kupokana nehurumende ichiti vanhuwo zvavo vane ruzivo munyaya dzemitemo ndivo vanofanirwa kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, kwete mapato ezvamatongerwo enyika kana kuti hurumende.

Doctor Lovemore Madhuku ndivo sachigaro veNCA. Dr Madhuku vaudza Studio7 kuti hurongwa hwavo huri kufambira mberi zvakanaka.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG