Accessibility links

Breaking News

Gurokota ReZveMari RoFadzwa NeMisangano NeVamiriri VeHurumende YavaObama


Gurokota rezvemari, vaTendai Biti, vanoti vari kufadzwa nemafambiro akaita misangano yavo nevakukuru vakuru vemuhurumende yavaBarack Obama avo vavakasangana navo.

VaBiti vanga vari kuno ku America kumisangano ye IMF ne World Bank. VaBiti vakatora mukana uyu kusangana nevakuru vakuru mudzihurumende dzakasiyana siyana, vachitsvaga rubatsiro rwemari yekubatsira hurumende yemubatanidzwa.

VaBiti vakaita musangano neMuvhuro muWashington navana chipangamazano muzvinhu zvakasiyana siyana pamahofisi esangano reNational Endownment For Democracy.

Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 akaita hurukuro nava Biti Mushure memusangano wavo kuNED.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7 …

XS
SM
MD
LG