Accessibility links

Breaking News

VaBiti naVaGono Voburutsirana Makano


Paita ropa rakaipa pakati pegurukota rezvemari, VaTendai Biti, nagavhuna webanga guru renyika, VaGideon Gono, mushure mekunge VaBiti vati mabasa aVaGono ekudhinda mari nekuita zvimwe zvisiri pamutemo aongororwe.

Mushure mekurudziro yaVaBiti yekuti VaGono vaongororwe, VaGono neMuvhuro vakabva vashandisa mapeji makumi maviri mubepanhau reHerald vachiedza kuzvichenura panyaya yemabasa avo, uye kushorawo VaBiti vachiti bhajeti yavo inofanira kuongororwa kuti haina here zvimwe zvakaiswa nevekunze.

VaGono vanoti nyaya yaVaBiti yekuti vamire kupa varimi mari, uye kupa nhengo dzedare reparamende motokari haina maturo.

Pasi pemutemo weRBZ, VaGono havafanirwe kunge vachiita basa rekupa varimi mari, kana kutengera nhengo dzedare reparamende dzimotokari.

Vanhu vakawanda vaoti zvanyorwa naVaGono zvatosiya vakawanda vaine mibvunzo sezvo vasiri kutaura kuti ndivanani vakapihwa zvekurimisa zvavari kutaura, uye kuti motokari dzavakatenga dzaive dzemarii.

VaBiti, avo vanga vachishanya ku America, vanoti maitiro aVaGono ndiwo akakonzera kuti hupfumi hwenyika huende kumawere.

VaBiti vanoti maitiro aVaGono anofanira kumiswa zvachose. Asi vamwe vakuru muZanu-PF vanoti VaBiti vave kupinda nemwenje mudziva sezvo zvakaitwa naVaGono zvichizivikanwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Doctor Godfrey Kanyenze inyanzvi munyaya dzezvehupfumi, uye vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe.

Doctor Kanyenze vaudza Blessing Zulu weStudio7 kutii VaGono vave kuita zveshaisano sezvo vakaitwa mbira dzakondo nekuti havachakwanise kudhindha mari yekunze yave kushandiswa munyika.

Vachitaura vari pamusangano mu Washington DC neMuvhuro, VaGono vakati hurumende yemubatanidzwa inofanirwa kutsigirwa nenyika dzakabudirira kuitira kuti zvinangwa zvehurumende iyi, zvizadziswe.

Muhurukuro yavakaita naMarvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 mushure memusangano wakarongwa nesangano reNational Endownment for Democracy, VaBiti vanoti vane tarisiro yekuti Zimbabwe ichawana rutsigiro rwainoda, kuitira kuti ivandudze hupfumi hwenyika.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG