Accessibility links

Breaking News

VaMutambara Vanosangana neMumiriri weBritain muZimbabwe


Britain inonzi yavambisa kubatsira hurumende yemubatanidzwa nemari, uye kuwedzera rubatsiro rwairi kupa zvizvarwa zve Zimbabwe. Izvi zvabuda pamusangano waitwa nemumiriri we Britain muZimbabwe, VaAndrew Pocock, nemutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara.

Vachitaura nevatori venhau pamahofisi avo pa Munhumutapa Building muHarare mushure memusangano wavaita naVaPocock, Va Mutambara vati hurumende ye Britain yavimbisa kushanda pamwe chete nehurumende yemubatanidzwa, asi izvi zvichaitika chete kana hurumende yemubatanidzwa ikaratidza kuti iri kurekedza kodzero dzevanhu uye mitemo yenyika. Aka ndekekutanga kunzwa Britain ichiti yava kuzobatsira hurumende yemubatanidzwa.

Va Mutambara vati Va Pocock vavaudza kuti Britain ichawedzera rubatsiro rwezvekudya rwairi kupa zvizvarwa zve Zimbabwe. Vatiwo imwe nyaya inofanirwa kutariswa panyaya dzerubatsiro, inyaya yekubhadhara vadzidzisi navana chiremba vemuzvipatara. VaMutambara vati hurumende yeBritain yazvipirawo kutsigira Zimbabwe pamusangano we International Monetary Fund svondo rino kuAmerica.

Hatina kukwanisa kutaura naVa Pocock sezvo varamba kutaura nevatori venhau pavabuda mumusangano uyu. Britain yagara ichiti icharamba yakatemera Zimbabwe zvirango kudzamara yaona shanduko yechokwadi muhurumende yemubatanidzwa.

Asi VaMutambara vati chinodiwa ndechekuti hurumende ye Zimbabwe igadzirise chimiro chayo kuitira kuti vedzimwe nyika vagotevedzerawo gwara ratorwa ne Britain. Vati nyaya dzekupambwa kwemapurazi dzinofanira kumiswa izvozvi, uye nyaya iyi ichazeyewa nedare remakurukota ehurumende neChipiri, zvichitevera ongororo yakabuda nechikwata chemakurukota chavaitumira.

Va Mutambara vati mitemo yose yenyika inofanirwa kutevedzerwa kuitira kuti Zimbabwe ive nechimiro chakanaka.

Vati zvinonyadzisa zvikuru kuti mushure memwedzi hurumende yemubatanidzwa yaumbwa, hurumende iyi haisati yagadzirisa nyaya dzemagavhuna, vanyori vemapazi ehurumende, gweta guru rehurumende, uye mukuru webhanga guru renyika.

VaMutambara vataura mashoko aya vasati vapinda musangano wavo nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, pamwe nemutungamiri wehurumende, Va Morgan Tsvangirai.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...


XS
SM
MD
LG