Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yoda Kuita Humbimbindoga kuGokwe


Gore rino hurumende yemubatanidzwa ichange ichiita hurongwa hwekupemberera zuva rekuwana kuzvitonga, mapato ose ezvematongerwo enyika ari muhurumende yemubatanidzwa akabatana.

Makore ose apfuura, kubva nyika yawana kuzvitonga muna1980, hurumende yeZanu PF ndiyo yega yanga ichitungamira hurongwa uhu.

Asi mukugadzirira hurongwa hwegore rino, patove nemashoko anoratidza kuti pave nemakakatanwa pakati peMDC neZanu PF, pamusoro pekutungamirwa kwemhemberero dzekuzvitonga kuzere neMugovera mudunhu reGokwe.

Vataura neStudio 7 vanoti vatungamiri veZanu PF mudunhu reGokwe vachiri kuda kutungamira voga hurongwa uhu, kunyange hazvo pava nehurumende yemubatanidzwa. Mamwe mashoko anoti vatsigiri veMDC vachiri kutya kusangana nevatsigiri veZanu PF, zvichitevera mhirizhonga yakaitika munguva yesarudzo gore rapera.

Izvi zviri kunzi zvingangotadzisawo kuti vanhu vakawanda vabude mudzimba dzavo vachinoungana kuchapembererwa zuva iri muGokwe.

Studio7 yakundikana kubata vedivi reZanu PF kana mudzviti wedunhu iri, avo vangonzi ndiMai Mafukidze, kuti tinzwe divi ravo.

VaSajeni Masuku ndivo sachigaro weMDC mudunhu reGokwe.

VaMasuku vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti dai vakuru vemapato maviri aya vachasangana voenda kuvatsigiri vavo kuti vavatsanangurire maererano nehurumende yemubatanidzwa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG