Accessibility links

Breaking News

Hurongwa hweKuumba Bumbiro Idzva reMitemo Hounza Mutauro


Hurumende inoti ichatambira pfungwa dzichabva kumasangano akasiyana siyana mukuumbwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, kunyange hazvo paine mamwe masangano ari kupikisa kuumbwa kwekomiti yeparamende ichatungamira hurongwa hwekunyorwa kwebumbiro remitemo.

Masangano akaita seNCA, ZCTU, Zinasu nemamwe, anoti vezvematongerwo enyika ndivo vakanyora bumbiro remitemo riri kushandiswa munyika pari zvino, nokudaro havangatungamiri zvakare mukunyorwa kwerimwe bumbiro remitemo idzva.

Veruzhinji vakaramba mureferendamu yakaitwa muna Kukadzi 2000, kutambira bumbiro idzva rakange ratungamirirwa nehurumende mukunyorwa kwaro.

Nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika dzinoti pava nekutyirwa kuti izvi zvinogona kuitika zvakare kana hurumende ikatadza kugara pasi ichigadzirisa nyaya iyi nemasangano akazvimirira ega, kuitira kuti pasave nekufumurana mureferendamu iri kutarisirwa kuitwa mushure mekuumbwa kwebumbiro remitemo idzva.

Gurukota rezvemashandiro ebumbiro remitemo pamwe nematare eparamende, Advocate Eric Matinenga, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti komiti yakaumbwa nehurumende iri kumirira vanhu vose sezvo vamiriri veparamende ava vakasarudzwa nevanhu.

Asi sachigaro veNANGO veMidlands, VaPeter Muchengeti, vanoti hurumende nemasangano akazvimirira, pamwe nevamwewo zvavo vasiri kufara nehurongwa uhu, vanofanirwa kugara pasi vogadzirisa kusawirirana kuripo, kuitira kuti zvinhu zvifambe nenzira inofadza munhu wose.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...


XS
SM
MD
LG