Accessibility links

Breaking News

Goho reMwaka Uno Rodzikira Zvakare


Sangano renyanzvi dzezvemamiriro ekunze reEarly Agglomeration Recognition System, EARS, riri kuNetherlands, rinoti goho rechibage chemwaka uno richange rakadzikira nezvikamu zvipfumbamwe kubva muzana, kana zvichienzaniswa negoho rinotarisirwa makore ose kana zvinhu zvakanaka. Sangano iri rinoti izvi zvakakonzerwa nekusanaya zvakanaka kwemvura.

Asi nyanzvi mune zvekurima, VaThomas Nherera, vanoti goho remwaka uno riri nani kupinda regore rapera, kunyange hazvo varimi vakashaya zvinodiwa pakurima.

VaNherera vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti goho remwaka uno harigoni zvaro kusvika mukukohwa kwemwaka unouya.

Zvichakadaro, sangano rinobatsira nechikafu reChristian Care rinoti kunyange hazvo vanhu vava kukwanisa kudya zvirimwa zviri muminda, ruzhinji rwevanhu rwuchada rubatsiro rwechikafu munguva inotevera.

Mutungamiri weChristian Care, Reverand Forbes Matonga, vatiwo sangano ravo pamwe nemamwe masangano anopa rubatsiro vambomira kupa chikafu kuitira kuti vamboonogora zviri muminda.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudi 7...

XS
SM
MD
LG