Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoronga Hurongwa hweMazuva Zana


Makurukota ehurumende anga achisangana kuVictoria Falls mukupera kweSvondo, anoti chinhu chikuru chinofanirwa kuitwa munyika pari zvino, kugadziriswa kwenyaya yehupfumi hwenyika, kuitira kuti Zimbabwe ibude mumadhaka mairi.

Hurumende inoti yaronga hurongwa hwekugadzirisa hupfumi hwenyika huchange huchiitwa mumazuva zana anotevera kutanga neMuvhuro.

Gurukota rinoshanda riri muhofisi yemutungamiri wenyika, VaGorden Moyo, vanoti musangano weku Victoria Falls wakabuda nezvisungo zvishanu munyaya dzehupfumi, kuchengetedzwa kwenyika, hutano, nyaya dzekodzero uye zvine chekuita nerubatsiro. Zvisungo izvi ndizvo zvichange zvihitariswa nehurumende mukugadzirisa kwayo zvinhu zviri kunetsa munyika.

VaEarnest Mudzengi ndivo National Director veNational Constitutional Assembly.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVaMudzengi kuti tinzwe maonero avo pane zvakabuda pamusangano .

Ukuwo gurokota rezvehutano, Dr Henry Madzorera, vanoti vane tarisiro yekuti chirwere chekorera chinogona kupera mumwedzi mitatu inotevera kana makurokota emvura pamwe negurukota rinoona nezvekutongwa kwemadhorobha nematunhu, vakaita mushandira pamwe nebazi ravo.

Nyaya yehutano yakazeyiwawo kumusangano wekuVictoria Falls.

Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 aita hurukuro naDr Madzorera pamusoro pedenda rekorera uye zvisungo zvakabuda pamusangano wekuVictoria Falls.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG