Accessibility links

Breaking News

HelpAge Youdza Vanhu Kuti Vangwarire Korera


Kunyange hazvo huwandu hwevanhu vari kufa kana kubatwa nechirwere chekorera huri kudzikira mazuva ano, nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti vanhu vanofanirwa kugwara vakangwarira chirwere ichi.

Sangano reWorld Health Organization, WHO, rinoti vanhu vafa nechirwere chekorera kusvika neChina, vasvika pazviuru zvina nemakumi mapfumbamwe, kana kuti 4090, uye vanhu vakabatwa nechirwere ichi kubva pachakatanga muna Nyamavhuvhu, vasvika pa 93 274.

Sangano reHelpAge rinofamba richabatsira vanhu kuti vazive nezvechirwere chekorera. VaZvidzai Maburitse vanoshanda neHelpAge kuchamhembe kweAfrica.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVaMaburitse kuti tinzwe zvavanokurudzira vanhu kuti vasabatwe nekorera.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...






Kunyange haz

XS
SM
MD
LG