Accessibility links

Breaking News

Korera Yonetsa kuMapurazi Ari Kubvutwa


Sangano reGeneral Agriculture and Plantation Workers Union of Zimbabwe rinoti chirwere chekorera chiri kuramba chichibata vanhu vakawanda mumapurazi ari kubvutwa zvechisimba, sezvo vanobatsira mukurapa vanhu vane korera, vanenge votya kupinda mumapurazi aya.

Zvinonziwo mumapurazi aya hamuna mvura yakachena, uye vagari vemo, havana ruzivo rwakakwana pamusoro pechirwere chekorera.

Mutauriri weGAPWUZ, Va Tapiwa Ziviri, vanoti masangano akazvimirira oga anofanirwa kusiiwa achipinda mumapurazi aya, kuitira kuti abatsire vanhu vanenge vabatwa nechirwere chekorera.

Sangano reWorld Health Organisation rinoti vanhu vafa nechirwere ichi vachiri pa 4 037 kubva svondo rapera, uye vanhu vakabatwa nechirwere ichi kubva pachakatanga muna Nyamavhuvhu gore rapera, vasvika pa 91 164.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVaZiviri kuti tinzwe zviri kuitika.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG