Accessibility links

Breaking News

Sangano reWHO Rinoti Korera Yava Kudzikira Munyika


Sangano reWorld Health Organisation rinoti huwandu hwevanhu vari kufa kana kubatwa nechirwere chekorera pasvondo rega rega, hwava kudzikira.

Mutauriri weWHO, VaPaul Garwood, vanoti izvi zvri kukonzerwa nevanhu vari kuzvidzivirira zvakasimba vachibatsirwa nemasangano akazvimirira oga pamwe nebhazi rezvehutano.

Pari zvino WHO inoti vanhu vafa nekorera kusvika musi weSvondo, vasvika pa 4 011, uye vanhu vakabatwa nechirwere ichi, vasvika pa 89 018.

Asi WHO inoti matunhu eMashonaland East, Midlands, neManicaland vachine dambudziko hombe.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro nemumiriri weMakoni South mudare reparamende, VaPishayi Mucharuaya, kuti tinzwe kuti chirwere ichi chakamira seyi mudunhu reManicaland.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG