Accessibility links

Breaking News

VaMugabe naVaTsvangirai Votatsurana muHurumende Itsva


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoti havasi kuzodzokera shure pavanhu vavakadoma sevanyori vemapazi ehurumende neChipiri.

VaMugabe vanotiwo havasi kuzodzokera shure pakugadza kwavakaita gavhuna webhanga guru renyika, VaGideon Gono, pamwe nekugadza kwavakaita muchuchisi mukuru wehurumende, VaJohannes Tomana.

VaMugabe vataura mashoko aya senzira yekuramba kutambira zvakataurwa nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, avo vakati neChitatu kudomwa kwakaitwa vanhu ava naVaMugabe, zvakange zviri kunze kwemutemo, uye kunze kwechibvumirano chekuvaka hurumende yemubatanidzwa.

VaMugabe vakataura mashoko aya kuZimbabwe House mumashoko avo ekupemberera zuva ravo rekuzvarwa.

Makakatanwa aya anoburitsa pachena kuti VaMugabe naVaTsvangirai havasi kushanda pamwe chete sezvinodiwa nehurumende yemubatanidzwa.

VaMugabe vanotiwo bumbiro remitemo idzva richanyorwa mukati memwedzi gumi nemisere kana makore maviri, pobva paitwa sarudzo itsva.

Vatiwo hurumende iripo iyi ndeyekufanobata matomu chete, nokudaro sarudzo itsva dzinogona kuitwa mukati memakore maviri.

VaNelson Chamisa ndivo mutauriri weMDC. VaChamisa vanoti bato ravo richasangana neChishanu kuti rizeye matambudziko atarisana nenyika.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG