Accessibility links

Breaking News

Chirwere cheKorera Choramba Chichiuraya Vanhu Vakawanda


Dambudziko rekorera riri kuramba richienderera mberi munyika, vanhu vakawanda vachifa nechirwere ichi. Sangano reWorld health Organisation rinoti vanhu vanosvika zviuru zvitatu nemazana manomwe ane makumi mashanu nevapfumbamwe, 3 759, vafa nechirwere ichi kubva pachakatanga muna Nyamavhuvhu, uye vanhu vanosvika zviuru makumi masere nemazana maviri ane makumi mashanu, 80 250, vakabatwa nekorera munyika kubva pakatanga chirwere ichi.

Hurumende inoti iri kuedza nepainogona napo kurwisa chirwere ichi kunyange hazvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka mubazi rezvehutano.

Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti vanhu vari kufa nechirwere chekorera vanodarika huwandu huri kuburitswa ne WHO sezvo vamwe vakawanda vari kufira mudzimba dzavo.

VaItai Rusike ndivo Executive Director veCommunity Working Group on Health. Sangano iri riri kufamba munzvimbo dzakasiyanasiyana richiona mamiriro akaita zvinhu munyaya dzedenda iri.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVa Rusike kuti tinzwe zvavari kuona.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG