Accessibility links

Breaking News

Vakasungirwa zveMatongerwo eNyika Voyaura Mujeri Vamwe Vari paMutambarakede


Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti hurongwa hwekubatana hwakaitwa pakati peZanu-PF neMDC, honowanzoteverwa nekubuditswa muhusungwa kwevanhu vose vanenge vachipomerwa mhosva dzezvematongerwo enyika.

Nyika dzakaita seSouth Africa nedzimwe, dzakaitawo hurongwa hwakadai senzira yekupodza maronda ekurwisana. Asi muZimbabwe handizvo zviri kuitika, sezvo vasungwa vari kupomerwa nyaya dzezvematongerwo enyika, vari kuona chitsvuku vari mumajere uko vezvematongerwo enyika vachiswera vachimhanya vari muzvikakarara zvemotokari dzavakapihwa nehurumende.

Pavasungwa ava, vamwe havasi kuzivikanwa kuti vari kupi, uye vamwe vakaita saVaRoy Bennet, vari kuyaura vari mujeri pasina mhosva dzakati tsvikiti dzavari kupomerwa.

Magweta anorwira kodzero dzevanhu anoti ari kushungurudzwa zvikuru nenyaya yekuti vanhu vari kupomerwa mhosva dzekuponda vanhu munguva yesarudzo, uye vachizivikanwa vamwe vacho, vari muhurumende yemubatanidzwa, pasina kana ari kutaura nezvekuvaunza kumatare, kusanganisirawo MDC iyo ine vanhu vakapondwa.

Blessing Zulu weStudio 7 aita hurukuro naVaMsekiwa Makwanya, avo vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, pamwe negweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaOtto Saki, avo vanoshanda neZimbabwe Lawyers for Human Rights kuitira kuti tinzwe pfungwa dzavo.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG