Accessibility links

Breaking News

Action Aid Inoparura Hurongwa hweKudzivirira Korera


Sangano re Action Aid raparura hurongwa hwekudzivirira chirwere chekorera, zvikuru munzvimbo dzisati dzabatwa nechirwere ichi. Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa esangano iri muZimbabwe, Va George Matonhodze, vanoti chirongwa chavo ndechekupinda mudzimba vachiudza vanhu zvavanofanirwa kuita kuitira kuti vasabate chirwere chekorera.

Sangano reWorld Health Organisation rinoti vanhu vanosvika zviuru zvitatu nemazana matanhatu ane makumi masere nevasere vakafa nechirwere ichi kubva pachakatanga muna Nyamavhuvhu.

Sangano iri rinotiwo vanhu vanosvika 77 650 vakabatwa nechirwere ichi kubva pachakanga gore rapera. Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti vanhu vafa kana kubatwa nechirwere ichi, vanogona kudarika huwandu huri kutaurwa ne WHO.

VaEmmanuel Chiroto ndivo mutevedzeri wameya weHarare. Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVaChiroto kuti tinzwe maonero avo pane zviri kuitika munyaya dzekorera.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG