Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kugadzirirsa Mvura Yekunwa


Sangano reWorld Health Organisation rinoti kusvika neChina vanhu vanosvika zviuru zvitatu nemazana matatu ane makumi manomwe nemumwe, kana kuti 3 371vainge vafa nekorera, uye vanhu vanosvika 67 945 vakabatwa nechirwere ichi kubva pachakatanga muna Nyamavhuvhu.

Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti huwandu hwevanhu vari kufa nechirwere ichi vanogona kudarika huwandu huri kutaurwa neWHO sezvo vanhu vakawanda vari kufira mudzimba dzavo vasina kusvika kuzvipatara. Huwandu hwevanhu vafa nekorera munyika, hwapfuura huwandu hwevanhu vakafa kune dzimwe nyika.

Nyanzvi idzi dzinotiwo korera chirwere chinorapika nyore nyore kunyange hazvo hurumende iri kukundikana. Nyanzvi munyaya dzezve hupfumi dzinoti hurumende iri kukundikana kugadzirisa zvinhu mubazi rezvehutano, sezvo isina mari inodiwa mukutenga mishonga pamwe nezvimwe zvinhu zvinodiwa muzvipatara. Pari zvino hurumende iri kubatsira nesangano re WHO pamwe neUNICEF.

Vaimbove meya veHarare, Engineer Elias Mudzuri, vanoti chirwere chekorera chinogona kupedzwa kana hurumende ikazvipira mukugadzirisa mvura inonwiwa neveruzhinji.

VaMudzuri, avo vanomirira Warren Park mudare reHouse of Assembly, vanoti kusamira zvakanaka kwakaita zvinhu munyika munyaya dzehupfumi, ndiko kuri kukonzera kuti chirwere ichi chirambe chichinetsa.

Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 ait hurukuro naVaMudzuri kuti tinzwe pfungwa dzavo padambudziko rekorera ranetsa nyika.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG