Accessibility links

Breaking News

Korera Yoramba Ichiuraya Vanhu muNyika


Sangano reWorld Health Organisation rinoti kusvika neMuvhuro vanhu vanosvika zviuru zvitatu nemazana maviri ane makumi mapfumbamwe nevashanu, 3 295 vafaka nekorera kubva payakatanga muna nyamavhuvhu. Sangano iri rinotiwo vanhu vabatwa nechirwere ichi vasvika pazviuru makumi matanhatu nezvina zvine mazana manomwe nemunhu mumwe chete, 64 701.

Mumwe mugari wemuHarare, VaSage Danhi, vanoti vari kubatsirikana zvikuru nedzidziso yavari kuwana kubva kumasangano akazvimirira.

Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 aita hurukuro naVa Danhi kuti tinzwe maonero avo.

Mumwewo mugari wemuBulawayo, VaAron Mhlanga, vanoti hurumende inofanirwa kuwedzera zvidzidzo zvekurapa nekudzivirira korera kuitira kuti huwandu hwevanhu vari kufa nechirwere ichi, hudzikire.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7…

XS
SM
MD
LG