Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai naVaMugabe Vokweshana Zvakare


Nhaurirano dzekugadzirisa gakava rezvematongerwo enyika dzatanga zvakare muHarare dzichitungamirirwa nesachigaro weSADC, uye vari mutungamiri weSouth Africa, VaKgalema Motlanthe.

Vapinda munhaurirano idzi vanosanganisirawo mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, mutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, mumwe mutungamiri wechikwata cheMDC, VaArthur Mutambara, vaimbowe mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, pamwe nemutungamiri weMozambique, VaArmando Guebuza.

Mutori wedu wenhau, Irwin chifera, uyo anga ari kutevera zviri kuitika muHarare, anoti vatungamiri ava vanga vachiri kutsvaga nzira dzekupedza gakava iri panguva yataenda pamhepo.

Kubva pakatanga nhaurirano idzi, masangano akazvimirira anga achikurudzira kuumbwa kwehurumende inofanobata matomu kwechinguvana, kwete hurumende yemubatanidzwa sezviri kurongwa nevezve matongerwo enyika.

Sachigaro weNCA, rimwe remasangano aikurudzira kuumbwa kweTransitional Authority, uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, Doctor Lovemore Madhuku, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti mashoko akataurwa nemapato eZanu PF neMDC vasati vapinda mumusangano uyu ekuti havasi kuzotsukunyuka pavamire, anogona kushanduka.

Professor John Makumbe inyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika, uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe. Professor Makumbe vanoti nhaurirano dzekupedza gakava riri pakati paVaMugabe naVaTsvangirai, hadzitarisirwe kuburitsa chimuko, sezvo vatungamiri vaviri ava vakatozivisa kare kuti havasi kuzofa vakatsukunyuka kubva pavamire.

VaMakumbe vanoti chimwe chiri kurwadza vanhu vakawanda inyaya yekuti VaMugabe, avo vakakundwa musarudzo yemuna Kurume, vari kuramba vakaomesa musoro vachida masimba akawanda, asi ivo vakakundwa naVaTsvangirai.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG