Accessibility links

Breaking News

Masoja Otyora Mitemo Achitorera Vanhu Zvekudya


Masoja anonzi apinda muguta reMutare akatorera vanhu zvinhu zvavanga vachitengesa pamusika weguta iri. Mauto aya anonzi apindawo muzvitoro zvemuSakubva akatora zvinhu nechisimba. Vaona zvichiitika vanoti masoja aya anga akapakatira pfuti, uye achifamba nemotokari.

Zvinonzi masoja arovawo vanhu kwaGutu kuMasvingo, akamanikidza vanhu kuti vavhare zvitoro zvavo. Masoja aya anoti haasi kufara nenyaya yekuti vanhu vari kutengesa zvinhu nemari yekunze, ivo vachitambiriswa mari yemuZimbabwe, iyo yava kurambwa nevezvitoro.

Vaona zvichiitika vanoti masoja aya anga achiudza vanhu kuti acharamba achitora zvinhu kudzamara hurumende yabhadhara masoja aya mari dzinovakwanira. Masoja aifanirwa kubhadharwa mari dzaNdira neChina, asi akaenda kumabhanga akawana kusina chiriko.

NeChina chakare, masoja anonzi akaendawo kupurazi ragavhuna webhanga guru renyika, VaGideon Gono, akatora nechisimba huku dzinosvika zana nemakumi manomwe neshanu. Purazi raVaGona re New Donnington Farm rinonzi riri kuNorton. Zvinonzi masoja aya akaudza vashandi vepapurazi iri kuti vacharamba vachiuya kuzotora zvinhu papurazi iri kudzamara VaGono vaisa mari dzavo mumabhanga.

Zvinonziwo mauto aya ari kuda kutambiriswa nemari yekunze, sezvo vakuru vakuru vari muchiuto, kubva pamunhu ane nyembe dza Colonel, vari kutambiriswa nemadhora eku America. Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remauto kuti masoja aya achaitwa seyi.

Hatinawo kunzwa kubva kuna VaGono kuti vari kutora seyi zvaitika papurazi ravo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG