Accessibility links

Breaking News

RBZ Younza Mari Itsva ye100 Trillion


Bhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe razivisa kuti riri kuzoparura mari itsva ye$100 trillion, $50 trillion, $20 trillion ne $10 trillion.

Mukuru weRBZ, VaGideon Gono, vanoti izvi zviri kuitirwa kuti dambudziko rekushaikwa kwemari ripere munyika. Mitengo yezvinhu munyika iri kuramba ichikwira zvakanyanya, izvo zviri kupa kuti vanhu vanetseke.

Asi mumwe mukuru kuRBZ audza Studio7 kuti mari iyi inogona kutanga kushandiswa kutanga kweSvondo rinouya. Mukuru uyu atiwo RBZ iri kudhinda mari yakakura kudai sezvo zvisingadhure.

Nyanzvi munyaya dzezve hupfumi dzinoti zvaitwa neRBZ hazvina zvazvinobatsira, sezvo hupfumi hwenyika huri kuramba huechienda kumawere. Zimbabwe yapinda mugore rechipfumbamwe zvinhu zvichiramba zvichiipa munyaya dzehupfumi.

Nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika dzinoti kuparara kuri kuita hupfumi hwenyika, kuri kukonzerwa nekutadza kutonga kuri kuita VaMugabe. Asi hurumende inoti zvinhu zviri kuoma munyika nepamusana pezvirango zvakatemera nyika nenyika dzakabudirira dzakaita seBriitain neAmerica. Asi nyika idzi dzinotiwo VaMugabe ndivo vauraya nyika nepamusana pekutadza kutonga.

VaProsper Chitambara inyanzvi munyaya dzehupfumi. VaChitambara vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti zvaitwa neRBZ kuteya nzou neriva.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG