Accessibility links

Breaking News

Vashandi Vanotadza Kutora Mari Dzavo Dzose Kubva kuMabhanga


Vashandi vane humbowo hwekuti vari pamabasa vava kukwanisa kutora mari dzavo dzose kubva kumabhanga kutanga neMuvhuro. Izvi zvinotevera chisungo chakaitwa nebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe.

Veruzhinji vanenge vasina magwaro anoratidza kuti vanoshandepi, vacharamba vachitora mari inoita $5 billion pasvondo. Chiitiko ichi chinouya apo RBZ yakaparurawo mari itsva ye$20 billion ne$50 billion. Asi vashandi vataura neStudio7 vanoti vatadza kutora mari dzavo sezvo vemabhanga vanga vachida kuona ma payslip emwedzi uno waNdira. Vashandi ava vati mari dzavo zhinji dziri mumabhanga ndedzemihoro yavo yemwedzi waZvita, idzo vakatadza kutora nepamusana pemitemo yaivepo munyaya dzemari.

Nyanzvi munyaya dzeupfumi, VaLuxon Zembe, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti kubvumidza vashandi kutora mari dzavo dzose mumabhanga hazvina zvazvinobatsira sezvo mari yacho ichiwanikwa iri mumadhora eZimbabwe, izvo zvinhu zvose zvava kutengeswa nemari yekunze.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG