Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti Vachiri Vakamira Panyaya Yekuti Vanogona Kubuda Munhaurirano


MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai inoti haisati yadududza padanho rakatorwa nemutungamiri webato iri.

VaTsvangirai vakati kana hurumende yeZanu-PF ikasamisa kupamba, uye kusaendesa vanhu vayakapamba kumatare edzimhosva, vaizokurudzira bato ravo kuti ribude muhurukuro neZanu-PF musi wa 1 Ndira.

VaTsvangirai vakatiwo kana vakasapihwa gwaro ravo rekufambisa havaizoenderera mberi nenhaurirano idzi. Gwaro iri vakaripihwa musi wekisimusi.

Zvichitevera mashoko aVaTsvangirai, vamwe vevanhu vakapambwa vakaendeswa kumatare edzimhosva, kunyange hazvo hurumende iri kuramba kutambira mitongo yematare. MDC inotiwo haisi kuzodududza shure panyaya yekugovanwa kwemasimba zvakafanira.

Bato iri rinodawo kuti vagovane neZanu-PF zvakafanira pamakurukota ehurumende, magavhuna, pamwe nevamiri veZimbabwe kune dzimwe nyika.

Nepamusana pekuti VaMugabe naVaTsvangirai varamba vari makara asionane panyaya yekugovanwa kwemasimba, SADC iri mubishi kuyedza kuti VaTsvangirai, VaArthur Mutambara vechimwe chikwata cheMDC, pamwe naVaMugabe, vaite musangano wechimbichimbi.

Munyori mukuru muMDC inotungamirwa naVaMutambara, VaWelshman Ncube, vanoti VaMutambara havasati vapihwa tsamba yekuti vatore mhiko yekuva mutevedzeri wemutungamiri wehurumende.

Asi vanobvuma kuti vakakokwa naVaMugabe kuti vatumidzire mazita evanhu vachange vari muhurumende yemubatanidzwa. VaNcube vatiwo naivowo vane pfungwa yekuti vatungamiri vatatu ava vasangane kuti vagadzirise zviri kunetsa.

VaTsvangirai vakapihwa tsamba iyi musi wekisimusi.

VaGeorge Sibotshiwe mutauriri waVaTsvangirai vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio7 kuti VaTsvangirai vachiri vakamira pakuti vanogona kukwidza nyaya yekubuda munhaurirano kudare ravo reNational Council.

Asi gweta uye vachiongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, Muzvare Theressa Mugadza, vaudza Blessing Zulu kuti kunyange hazvo MDC iine zvichemo, kutaurirana kunofanira kuenderera mberi


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG