Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeHarare Inoti Vanhu Vafa neCholera Muguta Iri Vanodarika Chiuru


Kanzuru yeguta reHarare inoti vanhu vafa nechirwere che Cholera muguta iri vanodarika chiuru, uye vanhu vakabatwa nechirwere ichi kubva zvachakatanga, vanopfuura zviuru zvishanu.

Ukuwo mashoko atiri kutambira anoti vanhu vanosvika makumi masere, vakafa mumazuva mana nechirwere ichi muChegutu. Studio7 haina kukwanisa kunzwa kukanzuru yeChegutu, kanawo kubazi rezve hutano.

Huwandu hwevanhu vari kufa ne cholera huri kunetsa kuziva sezvo vamwe vanhu vari kufira mudzimba dzavo. Ukuwo sangano re World Health Organization rinotiwo vanhu vafa nechirwere ichi vanopfuura mazana manomwe nemakumi mapfumbamwe.

Guta reHarare rinoti huwandu hwevanhu vakafa muguta iri hwakabuda muongororo yakaitwa mumakiriniki ekanzuru.

VaEmmanuel Chiroto ndivo mutevedzeri wameya weguta reHarare.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVaChiroto kuti tinzwe zvakawanda pamusoro penyaya yechirwere ichi.

Mune imwewo nyaya, vashandi vemuzvipatara zvehurumende varamba kutambira mari dzavari kunzi vachapihwa nehurumende. Izvi zvabuda pamusangano waitwa kuHarare Hopsital neChishanu.

Zvinonzi hurumende iri kuda kupa vana chiremba vachiri kupeta zvidzidzo zvavo mari inoita US$200 pamwedzi, vana mukoti US$60, uye vashandi vari pasi, mari inoita US$30 pamwedzi. Vana chiremba vava nemakore akawanda vari pabasa, vari kuda kutambiriswa mari inoita US$400 pamwedzi. Mari idzi dziri kunzi dzichatanga kubhadharwa pamwedzi.

Sekutaura kuri kuita mutori wedu wenhau, Slyvia Manika, vashandi vemuzvipatara zvehurumende vapika kuti vacharamba vachiramwa mabasa kudzamara hurumende yagadzirisa zvichemo zvavo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG