Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vakawanda Vofira Mudzimba neChirwere cheCholera

Sangano reWorld Health Organisation rinoti vanhu vafa nechirwere checholera kusvika musi wa 8 Zvita vava mazana manomwe ane makumi manomwe nevana, 774, kubva pakatanga chirwere ichi muna Nyamavhuvhu. Sangano iri rinoti vanhu vabatwa nechirwere ichi vanodarika zviuru gumi nezvishanu nemazana maviri munguva iyi.

Mashoko aya anobuda apo sangano re Unicef riri kutsvaga mari inoita $US 17,5 million yekurwisa chirwere ichi. Hurumende yakabvuma kuti iri kukundikana kupedza dambudziko iri, ikati iri kukumbira masangano epasi rose kuti abetserewo mukurwisa chirwere ichi.

Tanzania inonzi yapawo Zimbabwe mari inoita US$60 000 iyo ichashandiswa mukurwisa chirwere che cholera. Vamwe vane ruzivo nezviri kuitika vanoti vanhu vafa nechirwere che cholera vanodarika zviuru zvitatu, sezvo vamwe vanhu vari kufira mudzimba, vachibva vavigwa vasina kusvika muzvipatara.

VaItayi Rusike ndivo Executive Director veCommunity Working Group on Health. Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVaRusike kuti tinzwe maonero avo parubatsiro ruri kupihwa nyika kuti irwise chirwere che cholera.

Mumiriri wedunhu re Musikavanhu kuChipinge, Va Prosper Chapfiwa Mutseyami, vanoti vari kukurudzira vanhu vemumaruva kuti vambomira kutevedzera tsika dzechivanhu parufu sekubatana maoko nekubika chikafu mumabhodho sezvo izvi zviri kukonzera huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere che cholera mumaruva.

Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 aita hurukuro naVa Mutseyami kuti tinzwe maipiro aita chirwere ichi mudunhu ravanomirira muparamende.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG