Accessibility links

Breaking News

MDC Yotarisirwa Kuzeya Kuvandudzwa kweBumbiro reMitemo


National Council yeMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai iri kutarisirwa kusangana svondo rino kuitira kuti izeye nyaya yekuvandudzwa kwebumbiro remitemo yenyika, kubudikidza neConstitutional Amendment Bill Number 19. Izvi zviri kuitirwa kuti bato iri riongorore zviri mubhiri iri, iro riri kutarisirwa kuti ndiro richashandiswa pakuumbwa kwehurumende yemubatanidzwa.

Vari munhaurirano dze MDC neZanu PF vanonzi vachasangana svondo rinouya kuitira kuti vazeye nyaya iyi, bhiri iri risati radhindwa mu Government Gazett.

Asi mutauriri weMDC inotungamirwa naVaTsvangirai, VaNelson Chamisa, vanoti bhiri iri harifanirwe kugazetwa zvichemo zvavo zvese zvisati zvagadziriswa.

Ntungamili Nkomo weStudio 7 aita hurukuro naVaChamisa kuti tinzwe pamire bato ravo

Ukuwo nyanzvi munyaya dzebumbiro remitemo, VaLovemore Madhuku, avo vanotungamira sangano reNational Constitutional Assembly, vanoti zvichemo zveMDC izvi hazvineyi nenyaya dzebumbiro remitemo yenyika, uye vanoti kana pasina kubvumirana pakati pemapato aya, bhiri iri harifi rakagazetwa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG