Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vopinda Vachinyunyuta Musangano weSADC neMuvhuro


Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, avo vakamirira kugadzwa semutungamiri wehurumende muhurumende yemubatanidzwa iri kutarisirwa kuumbwa, neChina vakasangana muHarare nevamiriri vedzimwe nyika dzemuAfrica, vachivazivisa pavasvika munyaya yenhaurirano.

VaTsvangirai vanoti vave kuzopinda mumusangano weSADC wekuzeya gakava riripo pakati pavo naVaMugabe.

Musangano uyu uri kuitirwa muHarare neMuvhuro. MDC yaimbenge yati kusavimbika kweZanu-PF, uye kunyimwa gwaro rekufambisa kwaVaTsvangirai, kungangokanganisa musangano weMuvhuro, sezvo VaTsvangirai vari kubatwa nekuseri kweruoko naVaMugabe.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi reZanu-PF panyaya iyi. MDC inotiwo yanyorerawo tsamba vaimbova mutungamiri weSouth Africa, uye vari mutongi gava pagakava riri muZimbabwe, VaThabo Mbeki, ichigunun'una kuti vanenge vari kurerekera kudivi reZanu-PF pakuyananisa kwavari kuita.

MDC inoti gwaro rakaturwa naVaMbeki kuSADC, rinoratidza sekunge vari kutsigira zvakaitwa naVaMugabe zvekugovera mapazi ehurumende voga, pasina kutaurirana nevamwe.

VaNelson Chamisa ndivo mutauriri weMDC. VaChamisa vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti vari kuenda havo kuhurukuro idzi, asi vari kugunun'una.

VaCharles Mangongera vanoongora nyaya dzezvematongerwo enyika. VaMangongera vaudza Studio7 kuti zviri kuitwa neZanu-PF zviri kukanganisa nhaurirano sezvo isingavimbike.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG