Accessibility links

Breaking News

Rugare Harusati Rwava Munyika, ZPP Inodaro

Bazi re United Nations re UNESCO nebazi rehurumende rinoona nezvedzidzo, neChina vaita mhemberero dzekucherechedza zuva re International Day of Peace, kunyange hazvo zuva iri riri kufanirwa kucherechedza nemusi weSvondo.

Mhembererero idzi dzanga dziine nziyo, nhetembo pamwe nemitambo inokurudzira runyararo.

Masangano akazvimirira oga ataura neStudio 7 anoti haana kukokwa kumhemberero idzi. Zvisinei, VaTirso Dos Santos, avo vanofambisa mabasa eUNESCO muZimbabwe, vati zviri kuitika muAfrica zviri kuratidza kuti nyika dzemudunhu iri hadzisi kuzokwanisa kuzadzikisa zvinangwa zve Millenium Goals muna 2015. Zvinangwa izvi zvinosanganisirawo rugare kana kuti runyararo.

Vebazi rezvedzidzo vatiwo vafadzwa kuti zuva iri riri kucherechedzwa panguva iyo munyika maitwa chibvumirano pakati peZANU-PF nemapato maviri eMDC, izvo zviri kutarisirwa kuunza runyararo munyika.

Carole Gombakomba weStudio7 aita hurukuro naMuzvare Jestina Mukoko, National Director veZimbabwe Peace Project, avo vanotiwo kunyange hazvo mapato ezvematongerwo enyika akanyorerana pasi chibvumirano chekushanda pamwe chete, vanhu havasati vava nerugare munzvimbo dzavagere.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG