Vana mazvikokota, vatungamiri
vemamwe masangano epasi rose, pamwe nevanorarama nehutachiwana hweHIV, vari
kusangana pamusangano we 17th International AIDS Conference, uyo uri
kuitirwa kuMexico.
Mutungamiri weMexico, VaFelipe Calderon Hinojosa, ndivo vakaparura musangano uyu neSvondo.
Vana mazvikokota veHIV/AIDS, neMuvhuro vakati havasi kufara nekuti vari kukundikana kuzadzisa hurongwa hwavo hwekuti vanhu vakawanda vawane rubatsiro rwemushonga, pamwe nekuti vapinde muzvirongwa zvinobatsira vanorarama nehutachiwana uhwu.
Zimbabwe ichange yakamirirwa pamusangano uyu nebazi rezve hutano, pamwe naExecutive Director veNational AIDS Council, Dr Tapiwa Magure. Vamwewo vemasangano akazvimirira oga, vakaendawo kumusangano uyu, asi hatina kukwanisa kutaura navo.Asi vanorarama neutachiwana hweHIV/AIDS musangano re ZNNP+
vanoti havasi kufara nekusaendawo kumusangano uyu.
Mutori wenhau weStudio 7 Carole Gombakomba aita hurukuro nemutungamiri wesangano iri, VaBernard Mazhindu, avo vanoti havana kukwanisa kuwanawo rubatsiro rwemari yekuti vaende kumusangano uyu, uyezve vanoti dzimwe nhengo dzebazi rehurumende rinoona nezvehutano, dzakanga dzichitoedzawo kutsvaga rubatsiro rwemari kubva kwavari, kuti vakwanisewo kuenda kumusangano uyu.