Accessibility links

Breaking News

VaMbeki Vanobvuma Kuti Nhaurirano Dzambomiswa


Mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, vakabvuma neChipiri kuti ichokwadi kuti nhaurirano pakati peMDC neZanu-PF, dzambomiswa kuitira kuti vari mukutaurirana uku, vambotanga vasuma vakuru vavo nezviri kuitika. Asi VaMbeki vati nhaurirano idzi dziri kufamba zvakanaka.

Mutauriri waVaTsvangirai, VaGeorge Sibotshiwe, vaudza Studio 7 kuti paita kusawirirana panhaurirano idzi. Asi havana kutaura kuti chii chanetsa.

Vakuru muhurumende yeZimbabwe neSouth Africa vaudza Studio 7 kuti gakava rauya panyaya yekuti VaTsvangirai voita mutevedzeri wemutungamiri wenyika weChitatu here kana kuti mutungamiri wehurumende.

MDC iri kuda kuti VaTsvangirai vaite mutungamiri wehurumende iri pasi peMDC, kwete yemubatanidzwa. VaTsvangirai vakatoenda kuSouth Africa neChipiri asi hapana ari kuziva zvavakafambira.

Munyori mukuru mubato iri, VaTendai Biti, pamwe nemutevedzeri wemubati wehomwe, VaElton Mangoma, ndivo vari kumirira chikwata chavo munhaurirano idzi, kunyange hazvo chikwata ichi chiri kutungamirwa nasachigaro webato, VaLovemore Moyo. Nekowo vari kumiririra Zanu-PF, VaPatrick Chinamasa, gurukota rezvemitemo, pamwe naVaNicholas Goche, gurukota rezvevashandi, vanonzi vari muHarare umo vari kuita hurukuro naVaMugabe nevamwe vakuru muZanu-PF nemuchiuto nemapurisa.

VaGlen Mpani ndivo Regional Coordinator weCentre for the Study of Violence and Reconciliation muSouth Africa.

VaMpani vuadza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti Zanu-PF haisi kuita hurukuro nemoyo wose.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG