Accessibility links

Breaking News

Ngwenya: Hurombo Huri Kukonzerwa neHutongi Hwakaipa


Sangano reCATO Institute, neMuvhuro rakapa humbowo hwemamiriro akaita nyaya dzehupfumi muZimbabwe, pa Capitol Hill muWashington DC.

Vakapa umbowo uhwu, chizvarwa cheZimbabwe, uye vari mutungamiri weZimbabwean Coalition for Market and Liberal Solutions, VaRejoice Ngwenya, pamwe naVaMarian Tupy, vekuCATO Institute. Vaviri ava vakati hurombo hwakatarisana neveruzhinji muZimbabwe, huri kukonzerwa nehutongi hwaVaMugabe hwakaipa.

VaTupy vakati kuti hupfumi hweZimbabwe huite zviri nani, gavhuna vebhanga guru reReserve Bank of Zimbabwe, VaGideon Gono, vanofanirwa kutorerwa mamwe masimba, uye mabhanga anofanirwa kubvumidzwa kushanda akazvimirira oga, pamwe nekuti Zimbabwe ishandise mari yekune dzimwe nyika yakasimba.

VaTupy vakatiwo VaMugabe vari kubata vanhu kumeso, kana vachiti nyika dzekumavirira ndidzo dziri kuvhiringa zvinhu muZimbabwe, sezvo ruzhinji rwevari kutambura, vari vechitema, avo vanoti havasi kubatwa zvakanaka nehurumende yavo.

Mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro naVaNgwenya, avo vanoti kuti hurombo huri muvhanhu hupedzwe, munyika munofanirwa kuva nehutongi hutsva, sezvo VaMugabe vakundikana zvachose.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG