Accessibility links

Breaking News

Veruzhinji Voramba  Kutambira Hurumende yeMubatanidzwa


Mubatanidzwa wemasangano akazvimirira ega, weNANGO, waita musangano neChishanu wekuzeya nyaya yehurumende yemubatanidzwa, kana kuti hurumende ichatonga kwenguva pfupi pasati pasarudzwa hurumende chaiyo. NANGO inoti hurumende yemubatanidzwa haishandi, uye munyika munofanirwa kuva nebumbiro idzva remitemo yenyika.

Sekutaura kuri kuita mutori wedu wenhau, Slyvia Manika, NANGO yatiwo haitambiri kugadzwa kwaVaMugabe semutungamiri wenyika.

Ukuwo African Union iri kukurudzira kuti muZimbabwe muumbwe hurumende yemubatanidzwa sezvakaitwa kuKenya.

Asi munyika hamuna kuwirirana panyaya iyi pakati peZanu PF ne MDC, uye vanhuwo zvavo munyika.

Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti havatambire kuumbwa kwehurumende yemubatanidzwa, asi kuti vanotoda kuti hurumende inofanobata matomu kwenguva pfupi, Transitional Authority, iumbwe.

Zanu-PF nekowo iri kuchema nerekuti VaTsvangirai ngavatange vatambira VaMugabe semutungamiri wenyika ari pamutemo, pasati paitwa hurukuro.

Panyaya yekuti poumbwa hurumende yakadii, Zanu-PF inoti hazvina basa kuti katsi inhema here kana pfumbu, chero ichibata makonzo.

Mukuzeya nyaya iyi, mutori wenhau weStudio7, Blessing Zulu, aita hurukuro naDoctor Lovemore Madhuku, nyanzvi munyaya dzemitemo, uye vari sachigaro weNCA, pamwe naVaGlen Mpani, avo vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari Regional Coordinator wechirongwa che Transitional Justice Program, musangano reThe Center for the Study of Violence and Reconciliation muCape Town, South Africa.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG