Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti Sarudzo yeChishanu Kupedza Nguva


Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti bato ravo harisi kuzocherechedza zvichabuda musarudzo yemusi weChishanu. VaTsvangirai vatiwo hurumende inofanirwa kumisa mhirizhonga izvozvi, kuitira kuti vana veZimbabwe vagare vakafaranuka.

VaTsvangira vataura mashoko aya pamusangano wavaita nevatori venhau mushure mekumbobuda kwavaita kumuzinda we Netherklands, uko vakapotera kubva neSvondo.

Asi VaTSvangirai vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti havasati vabva kumuzinda weNetherlands sezvo pachine hurongwa hwemauto ari kuda kuvapfuudza.

Ukuwo chikwata chenyika nhatu dziri kuzeya nyaya yeZimbabwe muSADC, chabuda nechisungo chekuti Zimbabwe haifanirwe kuenderera mberi nesarudzo yemusi weChishanu. Nyika nhatu dziri mu SADC troika dzinoti Angola, iyo inova sachigaro, Swaziland neTanzania. Mumusangano wechimbichimbi waitwa nenyika idzi kuSwaziland, SADC troika inoti yaona zvakakakodzera kuti sarudzo yemuZimbabwe isaenderere mberi sezvo munyika muine mhirizhonga inotyisa. Izvi zvinoreva kuti VaMugabe vakaenderera mberi nesarudzo iyi, zvinobuda musarudzo iyi zvinenge zvisingatambirwe neSADC.

MDC inoti nhengo dzayo dzinodarika makumi mapfumbamwe dzafa mumhirizhonga yezve matongerwo enyika, uye vanhu vanodarika mazana matatu ezviuru, havachina pekugara, mushure mekupisirwa misha yavo.

Bato iri rinotiwo misha inosvika zviuru gumi yakaparadzwa mumhirizhonga iyi, uye vanhu vanosvikawo zviuru gumi, vari kurapwa mushure mekurohwa nevatsigiri veZanu PF, vachibatsirwa nemasoja pamwe nevaimbove varwiri vehondo yerusununguko.

Izvi ndizvo zvakapa kuti VaTsvangirai vabude musarudzo yemutungamiri wenyika, vachiti havangapindi musarudzo ine ropa.

Zanu PF inoti mhirizhonga iri kuitika munyika iri kukonzerwa neMDC, ukuwo MDC nemasangano akazvimirira vachiti vatsigiri vaVaMugabe ndivo vari kukonzera mhirizhonga. Vanhu vari kuvhiringwa nemhirizhonga iyi, vari kuti vari kushungurudzwa nevatsigiri vaVaMugabe.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7

XS
SM
MD
LG