Accessibility links

Breaking News

VaBiti Vanomiswa Pamberi peDare reDzimhosva


Munyori mukuru weMDC, VaTendai Biti, vamiswa pamberi pedare neChitatu, asi nyaya yavo haina kunzwikwa mudare. VaBiti vapinda mudare vakaiswa cheni dzemumakumbo, izvo zvakatyamadza mutongi wedare, VaMishrod Guvamombe.

Dare rapa mutongo wekuti VaBiti vanofanirwa kudzokera kudare neChina, uye vasina cheni dzemumakumbo. Magweta avo achakumbira kuti VaBiti vabviswe muhusungwa. VaBiti vari kupomerwa mhosva yekuda kubvisa hurumende, uye yekuzvidza mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe. Magweta avo atiwo mapurisa ava kupomerazve VaBiti imwe nyaya yekutyora mitemo ine chekuita nemari yekunze.

VaBiti vakasungwa musi wa 12 Chikumi apo vakasvika paHarare International Airport vachibva ku South Africa.

Sekutaura kuri kuita mutori wedu wenhau, Irwin Chifera, VaBiti vanga vachiratidza kusuwa pavapinda mudare.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG