Accessibility links

Breaking News

VaMutambara Vanobuditswa Muhusungwa


Mutungamiri wechimwe chikwata cheMDC, VaArthur Mutambara, vaburitswa muhusungwa neChipiri, mushure mokubhadhariswa mari yechibatiso. Vatori venhau veStudio7, Thomas Chiripasi, anotsanangura zvaitika kumatare, ukuwo Ntungamili Nkomo anoita hurukuro naVaMutambara vachangobuda muhusungwa.

Ukuwo vakasarudzwa kuve mimiriri weBuhera West muparamende, VaEric-Matinenga, vachiri muhusungwa. Mapurisa anonzi ari kuramba kuvaendesa kudare redzimhosva. VaMatinenga vanonzi vari kuramba mhosva yavari kupomerwa yekukonzera zhowezhowe.

Gweta riri kumirira VaMatinenga, VaTinoziva Bere, vanoti mapurisa ave kutyora mutemo nekuramba kuendesa VaMatinenga kudare redzimhosva.

Zvichakadaro, magweta anorwira kodzero dzevanhu anoti ari kushushikana zvikuru nemabatirwo ari kuitwa vanhu vari muhusungwa panguva ino. Vamwe vakataura neStudio 7 vanoti vasungwa vari kushaya zvekupfeka zvakakwana.

Vasungwa vanonziwo vari kuyaura nenzara.

Carole Gombakomba weStudio 7 aita hurukuro naVaTinoziva Bere, gweta rinorwira kodzero dzevanhu, avo vanoti vari kurwadzikana zvikuru nezvavari kona zvichiitika mumajere umu.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG