Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti SADC Ngaitumire Vaongorori veSarudzo neChimbichimbi


Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vari kutarisirwa kupinda munyika neMugovera mushure mekugara kunze kwenyika kubva mwedzi wapera. VaTsvangirai vaitarisirwa munyika neMugovera wapera, asi vakakundikana kuenda nenyaya yekutyira hupenyu hwavo.

MDC yakati pane vamwe vari muchiuto vari kuda kupfuudza VaTsvangirai. Mutauriri waVaTsvangirai, VaGeorge Sibotshiwe, vaudza Studio 7 kuti bato ravo rine hurongwa hwakasimba hwekuchengetedza VaTsvangirai kana vadzokera kumusha, asi havangataure nezve hurongwa uhu kuvatori venhau.

Vatiwo hurumende inofanirwa kuona kuti hupenyu hwaVaTsvangirai haupindi munjodzi. VaTsvangirai vari kutarisirwa kutaura nevatori venhau neMugovera pavanosvika muHarare.

VaTsvangirai vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti SADC ikaunza vaongorori vesarudzo pakati paChikumi panenge pasina chavafambira.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG