Accessibility links

Breaking News

Mhirizhonga Inoramba Ichienderera Mberi


Mashoko atatambira anoti mumwe mutsigiri weMDC kuBuhera South, VaChekuhle Mupango, vakapondwa vakafa neMugovera nechikwata chaitungamirwa nemutevedzeri wemutungamiri weZimabwe National Liberation War Veterans Association, VaJoseph Chinotimba.

Zvinonzi VaMupango vakawanikwa vachigeza ndokutanga kurohwa kusvika vafa. Mashoko anoti VaChinotimba vakazotora mutumbi waVaMupango ndokutenderera nawo paMutiusinazita vachiratidza vanhu, vasati vaenda nawo kumochari yechipatara chepaBirchenough Bridge. Tatadza kubata VaChinotimba kuti tinzwe divi ravo.

Zvinonziwo mutauriri wemapurisa, VaOliver Mandipaka, neMuvhuro vakaonekwawo kuBuhera South uku, vachikurudzira vanhu kuti vasavhotere MDC sezvo iri kuda kutengesa nyika. Studio 7 yabata VaMandipaka avo varamba kuti vakambosvika kuBuhera South. Vatiwo basa ravo ndere muhofisi, kwete kunze.

KuMashonaland Central, mhirizhonga inonzi iri kuenderera mberi mumatunhu akaita seMadziwa, Bushu nedzimwe nzvimbo. Asi kuShamva, zvinonzi zvinhu zvinenge zvagadzikana muguta chaimo, zvichitevera kupinda kwemapurisa anodzivirira mhirizhonga munzvimbo iyi.

Zvichakadaro, vechidiki veZanu PF pamwe nevanozviti vakarwa hondo yerusununguko, avo vanga vakapakata zvombo, vanonzi vamuka chibhebhenenga kuNyazura, Makoni South, uko vanonzi vari kurova vanhu nekupisa misha yevatsigiri veMDC. Zvinonzi vechidiki ava vasvika mubhuku rekwaMavhezha vari mumarhori matatu echiuto, ndokutanga kurwisa vanhu, izvo zvazoita kuti musha wese utizire mumakomo.

Zvinonziwo vatsigiri veZanu PF ava varidza pfuti asi hazvisati zvazivikanwa kuti pane vapfurwa here sezvo vanhu vanga vachiri mumakomo.

VaHappymore Mavhezha vekuNyazura vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti ivo pachezvavo vari kutsvagwawo nevatsigiri veZanu PF ava.

Zvichakadaro, vanhu vakawanda vari kurapwa muzvipatara zvemaMutare mushure mekunge varohwa kana kukuvadzwa mumhirizhonga iri kuitika muManicaland.

Mutori wedu wenhau, Loirdham Moyo, ashanyira chimwe chipatara chemaMutare, akataura nevanhu vakarohwa munhirizhonga iri kuitika muManicaland.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG