Accessibility links

Breaking News

MDC Inoti Pane Vanhu Vari Kuda Kuuraya VaTsvangirai


Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vaudzwa nevachengetedzi vavo kuti havakwanisi kudzokera kumusha neMugovera, sezvo vaine humbowo hwekuti pane vanhu vari kuda kuvapfuudza kana vadzokera kumusha.

VaTsvangirai vadzorwa vatove panhandare yeOliver Tambo iri muJohannesburg, South Africa. Kunyange hazvo VaTsvangirai vamboedza kuudza vanoona nezvekuchengetedzwa kwenyika mubato ravo kuti vanofanirwa kudzokera kumusha, izvi hazvina kushanda sezvo bato iri rati rine humbowo, kubva kuvanhu vanogara vakavaruma nzeve, hwekuti pane hurongwa hwekuda kuuraya VaTsvangirai.

MDC haina kuda kubuda pachena kuti ndiyani chaizvo ari kuda kuuraya VaTsvangirai, avo vakabuda munyika muna Kubvumbi. VaTsvangirai vanga vachisangana nevatungamiri venyika dzemu Africa, vachivaudza dambudziko riri muZimbabwe, zvichitevera kuramba kukundwa kwaVaMugabe musarudzo.

MDC inoti yakwidza nyaya yekuda kupondwa kwaVaTsvangirai kuvakuru veSADC.

Asi mutevedzeri wegurukota rinoona nezve kuburitswa kwemashoko, Va Bright Matonga, vanoti havana ruzivo rwekuti pane vari kuda kuponda VaTsvangirai. Vatiwo Vatsvangirai vari kufamba vachizvidza nyika, uye kana paine mhosva yavakapara, hurumende inoshandisa mitemo yenyika pakuvasunga.

Kukundikana kudzoka kumusha kwaVaTsvangirai, kwarwadza vanhu vakawanda, avo vanga vakatarisira kudzoka kwavo. Vamwe vanhu vanonzi vamukira kuenda kunhandare yendege, vachida kunogamuchira mutungamiri wavo.

Zvinonziwo mugwagwa unoenda kunhandare yendege muHarare, wanga wakazara nemapurisa, ayo anga achimisa motokari dzanga dzichishandisa mugwagwa uyu. Zvinonziwo mapurisa anomirira kudzivirira mhirizhonga anga akazara panhandare yendege, akapakatira zvombo zvehondo. Zvinonzi mapurisa aya ange aine marori matatu, pamwe nema tanker matatu emvura inovava.

Mutauriri waVaTsvangirai, VaGeorge Sibotschiwe, vati havazivi kuti VaTsvangirai vachadzokera riini kumusha.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG