Accessibility links

Breaking News

Kuramwa Mabasa Kwakadaidzirwa neMDC Kunotambirwa Nenzira Dzakatsaukana


Kurudziro yeMDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai yekuti vanhu vasaende kumabasa se senzira yekuratidza kutsutsumwa nenyaya yekusaziviswa kwezvakabuda musarudzo dzemutingamiri wenyika yatambirwa nenzira dzakasiya siyana mumaguta ose munyika.

Vamwe vanonzi vanga vachingoenda kumabasa semazuva ose asi vamwewo vanonzi vagara mudzimba dzavo.Munzvimbo dzakaita se Univesity of Zimbabwe neku Glen View kunonzi kwamboita nyonga nyonga asi hasvisati zvazivikanwa kuti pane vakuvadzwa kana kusungwa here munzvimbo idzi.

Carole Gombakomba weStudio 7, aita hurukuro nemutori wedu wenhau Irvin Chifera, kuti tinzwe kuti zvinhu zvanga zvakamira sei muHarare.

KuBulawayo vashandi vazhinji pamwe nevanotengesa mumigwagwa vange vachishanda.

Mutori wedu wenhau Netsai Mlilo, anoti vaenda kumabasa vange vachitya uye vamwe vanga vasingazvive nezvechirongwa ichi.

KuGweru kurudziro yeMDC yekuti vanhu vasaende kumabasa yatambirwa zvakasiyana-siyana.Vamwe vataura neStudio 7 vanoti MDC inofanirwa kushanda pamwe nemasangano akazvimirira oga, kuti vatsvage dzimwe nzira dzekuratidza kusafara kweveruzhinji nezviri kuitwa nehurumende zvekurega kubuditsa pachena zvakabuda musarudzo dzemutungamiri wenyika

Mutori wedu wenhau Taurai Shava anotiudza zvizere.

Vanhu vazhinji maMutare vanga vachiita mabasa avo muguta iri.Mabhanga, zvitoro, vemisika uye vanoita mabasa emaoko vanga vachingoshanda semazuva ose.

Zvichakadaro vashandi vepapurazi rekwa Meikles kuMutasa South vanonzi vapisirwa dzimba namuzvina purazi, akagariswa patsva nehurumende.Muzvina purazi uyu, umwe wevaimbove varwi vehondo yerusununguko, uyo arikupomera vashandi vepa purazi iri mhosva yekutsigira MDC.

Mutori wedu wenhau Loirdham Moyo anotiudza zvizere…

KuChinhoyi, zvitoro zvizhinji zvatinonokei kuvhura vanhu vachida kuona kuti zvinhu zvanga zvakamira sei.

Mutori wedu wenhau Arthur Chigoriwa anotipa nyaya inotevera...

Dzimwe nhau kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG