Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vozvidza VaMwanawasa neKuramba Kuenda kuMusangano weSADC


Mutungamiri weZanu-PF, VaRobert Mugabe, vakonzera kusagadzikana zvakanaka kwevakuru venyika dzemuSADC nemashoko avo ekuti havasi kuzoenda kumusangano wadaidzirwa neSADC wekugadzirisa dambudziko reZimbabwe.

Mutungamiri weZambia, VaLevy Mwanawasa, vakadaidzira musangano wechimbichimbi neMugovera kuLusaka, Zambia. VaMwanawasa vari kuda kuti nyaya yegakava rezvakabuda musarudzo dzemutungamiri wenyika, rigadziriswe zvinhu zvisati zvaipa muZimbabwe.

Sasachigaro weSADC, VaMwanawasa vari kutarisirwa kutura nyaya yeZimbabwe pamberi pamusangano. Gore rapera, VaMwanawasa vakati Zimbabwe yakafanana nengarava yava kuda kunyura, apo VaMugabe vakashorwa nepasi rose mushure mekunge vabata zvisina kunaka vemapato anopikisa.

Sezvo VaMugabe vasiri kuenda, vanonzi vatumira gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSimbarashe Mumbengegwi, gurukota rezvekumaruva, VaEmmerson Mnangagwa, uye gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, pamwe nemunyori muhofisi yezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaJoey Bimha.

VaBimha vaudza vatori venhau kuti musangano weSADC uyu hauna nematuro ose sezvo hurumende isina simba rekuti vaudze ZEC kuti iburitse zvakabuda musarudzo dzemutungamiri wenyika.

Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vari kutarisirwa kunge vari pamusangano uyu, kuti vapewo divi ravo pane zviri kuitika. Mashoko atiri kutambira anoti VaTsvangirai vasimuka neChishanu vachienda kuLusaka.

Mutori wenhau, Thomas Chiripasi, uyo ari muLusaka Zambia audza Blessing Zulu weStudio 7 kuti vehurumende yeZambia vati havasati vasumwa kuti VaMugabe havasi kupinda mumusangano weMugovera uyu.

Ukuwo nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaRejoice Ngwenya, vaudzawo mutori wenhau Blessing Zulu kuti VaMugabe vave kutya kumira pamberi pevamwe vavo nezviito zvavo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG